James 5:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo hama dzaŋgu, tsuŋgirirai kuȿikira pakuʋuya kwaShe. Tarirai, murimi unomirira ciɓereko cenyika cinokosha, acitsuŋgirira pamsoro paɀo kuȿikira ɀapiwa mvura yokutaŋga neyokuguma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino, hama dzangu, ivai nomwoyo murefu, kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai mamiriro anoita murimi kuti aone chibereko chinokosha chenyika uye kuti anoita mwoyo murefu sei pakumirira kwake mvura yomunakamwe nemvura yamasutso.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Itai zvenyu mwoyo murefu hama dzangu kusvikira Tenzi auya. Tarisai muone murimi anorima michero inokosha yenyika. Anoita mwoyo murefu nazvo kusvikira yawana mvura yomunhuruka neyokupedzisira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarirai, murimi anomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamusoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma.
Shona 2009?
Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuvuya kwaShe. Tarirai, murimi unomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamusoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarirai, murimi anomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamusoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma.