Jeremiah 1:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinoɗana marudzi ose oʋushe ari kurutiʋi rwokumsoro; acaʋuya, rumŋe norumŋe rucaisa cigaro carwo coʋushe paʋanopinda pamasuʋo eJerusarema, napamaȿiŋgo aro kumatiʋi ose napamaguta ose aJuda, kuzorwa nawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti iye zvino ndiri kudana vanhu vose voushe hwokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Madzimambo avo achauya achizoisa zvigaro zvavo zvoushe pamasuo eJerusarema; vachauya kuzorwisa masvingo aro ose akarikomberedza uye namaguta ose eJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti zvamunoona, ndava kuzodaidza ndudzi dzavanhu vamadzimambo oKuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Vanhu ivavo vachauya, mumwe nomumwe wavo agogadzikira chigaro choumambo hwake kwokupinda nako pamisuo mikuru yeguta reJerusaremu vagokomberedza masvingo eJerusaremu uye vagokomberana maguta ose zvawo okwaJudha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinodana marudzi ose oushe ari kurutivi rwokumusoro; achauya, rumwe norumwe ruchaisa chigaro charwo choushe pavanopinda pamasuo eJerusaremu, namasvingo aro kumativi ose napamaguta ose aJudha, kuzorwa nawo.
Shona 2009?
Nokuti zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndinodana marudzi ose oushe ari kurutivi rwokumusoro; achauya, rumwe norumwe ruchaisa chigaro charwo choushe pavanopinda pamasuo eJerusaremu, namasvingo aro kumativi ose napamaguta ose aJudha, kuzorwa nawo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinodana marudzi ose oushe ari kurutivi rwokumusoro; achauya, rumwe norumwe ruchaisa chigaro charwo choushe pavanopinda pamasuwo eJerusaremu, namasvingo aro kumativi ose napamaguta ose aJudha, kuzorwa nawo.