Jeremiah 1:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rikaʋuya ʋo pamazuʋa aJehoiakimi, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, kuȿikira pakupera kwegore regumi nerimŋe raZedekia, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, kuȿikira pakutapxa kwaʋeJerusarema nomŋedzi wecishanu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye nomunguva yokutonga kwaJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, kusvikira pamwedzi wechishanu wegore regumi nerimwe raZedhekia mwanakomana waJosia mambo weJudha, vanhu veJerusarema pavakazoenda kuutapwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rakauya mumazuvawo aJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo wokwaJudha kudzamara kumagumo kwegore regumi nechiposhi rokutonga kwaZedhekiya mwanakomana waJosiya, mambo wokwaJudha, kusvikira pakutapwa kweJerusaremu mumwedzi wechishanu wacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rikauyawo pamazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, kusvikira pakupera kwegore regumi nerimwe raZedhekia, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, kusvikira pakutapwa kwaveJerusaremu nomwedzi wechishanu.
Shona 2009?
Rikauyawo pamazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, kusvikira pakupera kwegore regumi nerimwe raZedhekia, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, kusvikira pakutapwa kwaveJerusaremu nomwedzi wechishanu.
Shona SUB 2002 Bible
Rikauyawo pamazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, kusvikira pakupera kwegore regumi nerimwe raZedhekiya, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, kusvikira pakutapwa kwaveJerusaremu nomwedzi wechishanu.