Jeremiah 10:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana aciɓuɗisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kuɗeŋga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuʋuyisa mvura, unoɓuɗisa mhepo panoʋigwa fuma yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paanotinhira, mvura zhinji iri mumatenga inoita mubvumo; anoita kuti makore asimuke kubva kumigumo yenyika. Anotuma mheni pamwe nemvura uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paanongoti burutsei muromo mumwechete, mvura inodhiriridza mumatenga. Anoita kuti mhute isimuke kubvira kwakaperera nyika achiita kuti mumvura inonaya muve nemheni achiuyisa mhepo ichibva maanoichengetera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa pfuma yake.
Shona 2009?
Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa fuma yake.
Shona SUB 2002 Bible
Kana achibudisa izwi rake, kuno mubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa pfuma yake.