Jeremiah 10:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu mumŋe nomumŋe waʋa usinenjere, haaneziʋo; mupfuri mumŋe nomumŋe wendarama unonyadziswa necifananidzo cake caakaʋeza, nokuti cifananidzo cake caakaʋumba, ndecenhema; hakunomŋeya maɀiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe nomumwe haafungi uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wegoridhe anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Munhu wose zvake rangova zungairwa, vanhu vasina ruzivo, mhizha yose yezvendarama ichinyadziswa nezvifananidzo zvayo zvokunamata, nokuti zvifananidzo zvayo zvokunamata ndezvenhando uye hazvina mweya unofema mazviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chake chaakaumba, ndechenhema; hakuna mweya mazviri.
Shona 2009?
Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chake chaakaumba, ndechenhema, hakuna mweya mazviri.
Shona SUB 2002 Bible
Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chake chaakaumba, ndechenhema; hakuna mweya mazviri.