Jeremiah 10:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinenhamo nokuɗa kwokurwadziwa kwaŋgu! Ʋaŋga raŋgu rakaipa kwaɀo; asi ndakati: Ɀirokwaɀo ndibgo ʋurwere bgaŋgu, ndinofanira kuʋutakura haŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndine nhamo nokuda kwokukuvara kwangu! Ronda rangu harirapiki! Asi ndakazviti, “Uku kurwara ndokwangu, uye ndinofanira kukutakura.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Maiwe zvangu, inga ndakuvara ini! Ronda rangu rinosiririsa kwazvo! Asi ndakangozviti, nhamo inhamo chokwadi, kwava kutongotirira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndine nhamo nokuda kwokurwadziwa kwangu! Vanga rangu rakaipa kwazvo; asi ndakati, “Zvirokwazvo ndihwo hurwere hwangu, ndinofanira kuhutakura hangu.”
Shona 2009?
Ndine nhamo nokuda kokurwadziwa kwangu! Vanga rangu rakaipa kwazvo; asi ndakati, "Zvirokwazvo ndihwo hurwere hwangu, ndinofanira kuhutakura hangu."
Shona SUB 2002 Bible
Ndine nhamo nokuda kwokurwadziwa kwangu! Vanga rangu rakaipa kwazvo; asi ndakati, “Zvirokwazvo ndihwo hurwere hwangu, ndinofanira kuhutakura hangu.”