Jeremiah 10:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndianiko uŋgarega kukutyai, imi Mambo wamarudzi aʋanhu? Nokuti makafanira iɀoɀi; nokuti pakati paʋakacenjera ʋose ʋamarudzi aʋanhu, napaʋushe bgaʋo bgose, hakuna‐wakafanana nemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndianiko angarega kukutyai, imi Mambo wendudzi? Izvi ndizvo zvakakufanirai Pakati pavakachenjera vose vendudzi nomuushe hwavo hwose, hakuna akafanana nemi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiani angarege kukutyai, imi Mambo wendudzi dzavanhu? Nokuti ndozvakakodzerana nemi izvozvi nokuti pakati pengwazi dzose dzamarudzi munyika dzavo dzose hamuna akaita semi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndianiko ungarega kukutyai, imi Mambo wamarudzi avanhu? Nokuti makafanira izvozvi; nokuti pakati pavakachenjera vose vamarudzi avanhu, napaushe hwavo hwose, hakuna wakafanana nemi.
Shona 2009?
Ndianiko ungarega kukutyai, imwi Mambo wamarudzi avanhu? Nokuti makafanira izvozvi; nokuti pakati pavakachenjera vose vamarudzi avanhu, napaushe hwavo hwose, hakuna wakafanana nemi.
Shona SUB 2002 Bible
Ndianiko ungarega kukutyai, imi Mambo wamarudzi avanhu? Nokuti makafanira izvozvi; nokuti pakati pavakachenjera vose vamarudzi avanhu, napaushe hwavo hwose, hakuna wakafanana nemi.