Jeremiah 11:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti iwe Juda, kuwanda kwaʋamŋari ʋako kwakafanana nokuwanda kwamaguta ako; ʋuye makaʋakira cinhu cinonyadzisa maartari, iwo maartari okupisira Baari ɀinonhuwira, akawanda senzira dzomuJerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Una vamwari vakawanda sokuwanda kwakaita maguta ako, iwe Judha; uye aritari dzamakamisa kuti mupisire zvinonhuwira kuna mwari anonyadzisa, iye Bhaari, dzakawanda sokuwanda kwakaita migwagwa yeJerusarema.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti imi vokwaJudha, kuwanda kwakaita maguta enyu ndokuwandawo kwakaita vaMwari venyu. Uyewo sokuwanda kwakaita migwagwa yeJerusaremu ndokuwandawo kwakaita atari dzamakavakira icho chakafumuka ichi, atari dzokupisira rusenzi kuna Bhaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti iwe Judha, kuwanda kwavamwari vako kwakafanana nokuwanda kwamaguta ako; uye makavakira chinhu chinonyadzisa maaritari, iwo maaritari okupisira Bhaari zvinonhuwira, akawanda senzira dzomuJerusaremu.’
Shona 2009?
Nokuti iwe Judha, kuwanda kwavamwari vako kwakafanana nokuwanda kwamaguta ako; uye makavakira chinhu chinonyadzisa maaritari, iwo maaritari okupisira Bhaari zvinonhuhwira, akawanda senzira dzomuJerusaremu.'
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti iwe Judha, kuwanda kwavamwari vako kwakafanana nokuwanda kwamaguta ako; uye makavakira chinhu chinonyadzisa maatari, iwo maatari okupisira Bhaari zvinonhuwira, akawanda senzira dzomuJerusaremu.’