Jeremiah 11:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka iwe usanyeŋgeterera ʋanhu aʋa, kana kuɗana nokuɗa kwaʋo nenzwi rako kana munyeŋgetero wako; nokuti handiŋgaʋanzwi neŋguʋa yaʋanoɗanidzira kwandiri nokuɗa kwokutambudzika kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Usanyengeterera vanhu kana kupa chikumbiro chipi zvacho kana kuvakumbirira, nokuti handizoteereri pavanodana kwandiri panguva yokutambudzika kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Naizvozvo iwe rega kunamatira vanhu ava kana kumbovaisira chichemo kana munyengetero wokuvakumbirira nokuti handisi kuzoteerera kana vodaidzira kwandiri panguva yavo yenhamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Saka iwe usanyengeterera vanhu ava, kana kudana nokuda kwavo nenzwi rako kana munyengetero wako; nokuti handingavanzwi nenguva yavanodanidzira kwandiri nokuda kwokutambudzika kwavo.
Shona 2009?
"Saka iwe usanyengeterera vanhu ava, kana kudana nokuda kwavo nenzwi rako kana munyengetero wako; nokuti handingavanzwi nenguva yavanodanidzira kwandiri nokuda kokutambudzika kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
“Saka iwe usanyengeterera vanhu ava, kana kudana nokuda kwavo nenzwi rako kana munyengetero wako; nokuti handingavanzwi nenguva yavanodanidzira kwandiri nokuda kwokutambudzika kwavo.