Jeremiah 11:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muɗikanwa waŋgu unotȿakeiko mumba maŋgu, ɀaakaita ɀinonyaŋgadza naʋazhinji? Mhiko nenyama tȿene ɀiŋgabvisa njodzi yako here? Ipapo uŋgafara kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ko, mudiwa wangu ari kuitei mutemberi yangu, zvaari kuita mabasa ake akaipa navazhinji? Ko, nyama yakatsaurwa ingadzivisa kurohwa kwako here? Pamunoita zvakaipa zvenyu, ipapo imi mofara.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iye mudiwa wangu chaachiri kuda mumba mangu chii iye akabata twakaipa twukadai? Idzo mhiko dzenyu nenyama yezvibayiro ndozvingakununurei kunhamo here? Kutoita rurasademo kufara zvenyu nhai?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mudikanwa wangu unotsvakeiko mumba mangu, zvaakaita zvinonyangadza navazhinji? Mhiko nenyama tsvene zvingabvisa njodzi yako here? Ipapo ungafara kwazvo.
Shona 2009?
"Mudikamwa wangu unotsvakeiko mumba mangu, zvaakaita zvinonyangadza navazhinji? Mhiko nenyama tsvene zvingabvisa njodzi yako here? Ipapo ungafara kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
“Mudikanwa wangu unotsvakeiko mumba mangu, zvaakaita zvinonyangadza navazhinji? Mhiko nenyama tsvene zvingabvisa njodzi yako here? Ipapo ungafara kwazvo.