Jeremiah 11:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova wakakutumidza zita rinonzi, Muorivi mutema, wakanaka neɀiɓereko ɀakanaka; asi wakazoʋesa mŋoto pamsoro pawo nomubvumo weɓope guru, mataʋi awo akavuniwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati ndive muti womuorivhi uno upenyu, une michero yakanaka yakaurungana. Asi nokutinhira kwemhepo ine simba achautungidza nomoto, uye matavi awo achavhunika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inga wani Tenzi akambokutii muri muorivhi wakasvibirira une michero yakanaka inoyevedza. Asi noruzha rwedutu guru remhepo achauririmisa nomoto, mapazi awo aroromeswe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha wakakutumidza zita rinonzi, Muorivhi mutema, wakanaka nezvibereko zvakanaka; asi wakazovesa moto pamusoro pawo nomubvumo webope guru, matavi awo akavhuniwa.
Shona 2009?
Jehovha wakakutumidza zita rinonzi, Muorivhi mutema, wakanaka nezvibereko zvakanaka; asi wakazovesa moto pamusoro pawo nomubvumo webope guru, matavi awo akavhuniwa.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akakutumidza zita rinonzi, Muorivhi mutema, wakanaka nezvibereko zvakanaka; asi wakazovesa moto pamusoro pawo nomubvumo webope guru, matavi awo akavhuniwa.