Jeremiah 11:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ini ndakaŋga ndakafanana negwaiana nyoro rinoiswa kundoɓayiwa; ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti ʋakaŋga ʋaraŋgana mano akaipa pamsoro paŋgu, ʋaciti: Ŋgatiparadze muti pamŋe cete neɀiɓereko ɀawo, ŋgatimubvise cose panyika yaʋapenyu, zita rake rirege kuzoraŋgarirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakanga ndakaita segwayana nyoro riri kuendeswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga vandirangana, vachiti, “Ngatiparadzei muti nemichero yawo; ngatimubvisei panyika yavapenyu, kuti zita rake rirege kuzorangarirwazve.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ini ndakanga ndakapfava sehwayana iri kuendeswa kunourayiwa, ndisingamboziva kuti twavaironga vainge vachitorongereni vachiti, “Ngatiparadzei muti nomuchero wawo, ngatimutsakatisei panyika yavapenyu zita rake ribva rakanganikwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ini ndakanga ndakafanana negwaiana nyoro rinoiswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga varangana mano akaipa pamusoro pangu, vachiti, “Ngatiparadze muti pamwechete nezvibereko zvawo, ngatimubvise chose panyika yavapenyu, zita rake rirege kuzorangarirwa.”
Shona 2009?
Asi ini ndakanga ndakafanana negwayana nyoro rinoiswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga varangana mano akaipa pamusoro pangu, vachiti, "Ngatiparadze muti pamwechete nezvibereko zvawo, ngatimubvise chose panyika yavapenyu, zita rake rirege kuzorangarirwa."
Shona SUB 2002 Bible
Asi ini ndakanga ndakafanana negwayana nyoro rinoiswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga varangana mano akaipa pamusoro pangu, vachiti, “Ngatiparadze muti pamwechete nezvibereko zvawo, ngatimubvise chose panyika yavapenyu, zita rake rirege kuzorangarirwa.”