Jeremiah 11:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi imi Jehova wehondo, imi munotoŋga ɀakarurama, munoidza itȿo nomŋoyo, ndicaʋona kutsiʋa kwenyu kwaʋari, nokuti ndakakuzarurirai mhaka yaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi imi Jehovha Wamasimba Ose, iyemi munotonga nokururama, uye munoedza mwoyo nendangariro, ngandione kutsiva kwenyu pamusoro pavo, nokuti ndakaisa mhaka yangu kwamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvino, imi Tenzi; wehondo nehondo munotonga zvakarurama imi munoongorora zviri mumwoyo nomupfungwa dzomunhu dai waro mukaita kuti ndione kuvatsividza kwamunoita nokuti ndakaisa kwamuri zvinondinetsa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi imi Jehovha wehondo, imi munotonga zvakarurama, munoidza itsvo nomwoyo, ndichaona kutsiva kwenyu kwavari, nokuti ndakakuzarurirai mhaka yangu.
Shona 2009?
Asi imwi Jehovha wehondo, imwi munotonga zvakarurama, munoidza itsvo nomoyo, ndichaona kutsiva kwenyu kwavari, nokuti ndakakuzarurirai mhaka yangu.
Shona SUB 2002 Bible
Asi imi Jehovha wehondo, imi munotonga zvakarurama, munoidza itsvo nomwoyo, ndichaona kutsiva kwenyu kwavari, nokuti ndakakuzarurirai mhaka yangu.