Jeremiah 11:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kwandiri: Paridza mashoko awa ose pamaguta aJuda, napanzira dzomuJerusarema, uciti: Inzwai mashoko esuŋgano iyi, muaite.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kwandiri, “Paridza mashoko aya ose mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema uchiti, ‘Teererai mitemo yesungano iyi muitevere.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akabva ati kwandiri, “Paridza mashoko ose iwayo mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu uchiti inzwai zvinotaurwa nechitenderano ichi muzviite.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kwandiri, “Paridza mashoko awa ose pamaguta aJudha, napanzira dzomuJerusaremu, uchiti, ‘Inzwai mashoko esungano iyi, muaite.’
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kwandiri, "Paridza mashoko awa ose pamaguta aJudha, napanzira dzomuJerusaremu, uchiti, `Inzwai mashoko esungano iyi, muaite.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kwandiri, “Paridza mashoko awa ose pamaguta aJudha, napanzira dzomuJerusaremu, uchiti, ‘Inzwai mashoko esungano iyi, muaite.’