Jeremiah 11:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakarairira madziɓaɓa enyu kwaɀo nezuʋa randakaʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, kuȿikira zuʋa ranhasi, ndicifumira maŋgwanani, ndicirairira, ndiciti: Tererai inzwi raŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva panguva yandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti kusvikira nhasi, ndakavayambira ndavayambirazve ndichiti, “Nditeererei.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti ndakayambira ndayambirazve madzibaba enyu pandakavaburitsa munyika yeIjipiti ndikaramba ndichivayambira kusvikira pari nhasi ndichingoti, teererai izwi rangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakarairira madzibaba enyu kwazvo nezuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, kusvikira zuva ranhasi, ndichifumira mangwanani, ndichirairira, ndichiti, ‘Tererai inzwi rangu.’
Shona 2009?
Nokuti ndakarairira madzibaba enyu kwazvo nezuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, kusvikira zuva ranhasi, ndichifumira mangwanani, ndichirairira, ndichiti, `teererai inzwi rangu.'
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakarairira madzibaba enyu kwazvo nezuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, kusvikira zuva ranhasi, ndichifumira mangwanani, ndichirairira, ndichiti, ‘Teererai izwi rangu.’