Jeremiah 11:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi haʋana‐kuterera, kana kurerekera nzeʋe dzaʋo, asi mumŋe nomumŋe waʋo wakaramba acifamba noʋukukutu bgomŋoyo wake wakaipa; naiɀoɀo ndakaʋuyisa pamsoro paʋo mashoko ose esuŋgano iyi, andakaʋaraira kuti ʋaaite, asi haʋana‐kuaita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi havana kuteerera kana kuva nehanya; asi vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa. Saka ndakauyisa pamusoro pavo kutuka kwose kwesungano yandakanga ndavarayira kuti vatevere asi havana kuichengeta.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ivo kuteerera havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo. Asi kuti munhu wose akatotevera zvake zvomusoro wake zvakaipa. Ndokusaka ini ndakaita kuti vawirwe nezvose zvinorehwa nechitenderano ichi chandakati vachengete asi ivo vakarega zvavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi havana kuterera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi mumwe nomumwe wavo wakaramba achifamba nohukukutu hwomwoyo wake wakaipa; naizvozvo ndakauyisa pamusoro pavo mashoko ose esungano iyi, andakavaraira kuti vaaite, asi havana kuaita.”
Shona 2009?
Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi mumwe nomumwe wavo wakaramba achifamba nohukukutu hwomoyo wake wakaipa; naizvozvo ndakauyisa pamusoro pavo mashoko ose esungano iyi, andakavaraira kuti vaaite, asi havana kuaita."
Shona SUB 2002 Bible
Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi mumwe nomumwe wavo wakaramba achifamba nohukukutu hwomwoyo wake wakaipa; naizvozvo ndakauyisa pamusoro pavo mashoko ose esungano iyi, andakavaraira kuti vaaite, asi havana kuaita.”