Jeremiah 12:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakakusha ɀiyo, asi ʋakaceka minzwa; ʋakaɀitambudza, asi haʋana‐kuwana cinhu; mucanyadziswa pamsoro peɀiɓereko ɀeminda yenyu, nokuɗa kwokutsamŋa kukuru kwaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachadyara gorosi asi vachakohwa minzwa; vachazvinetesa asi hakuna chavachawana. Saka zvitakurirei njodzi dzegohwo renyu, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Vakadyara zvavo koroni, asi minzwa ndoyavakazokohwa, vakanetera pasina. Vachanyara nezvaunokohwa pari pamusana pehasha dzinotyisa dzaTenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakakusha zviyo, asi vakacheka minzwa; vakazvitambudza, asi havana kuwana chinhu; muchanyadziswa pamusoro pezvibereko zveminda yenyu, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaJehovha.”
Shona 2009?
Vakakusha zviyo, asi vakacheka mhinzwa; vakazvitambudza, asi havana kuwana chinhu; muchanyadziswa pamusoro pezvibereko zveminda yenyu, nokuda kokutsamwa kukuru kwaJehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Vakakusha zviyo, asi vakacheka minzwa; vakazvitambudza, asi havana kuwana chinhu; muchanyadziswa pamusoro pezvibereko zveminda yenyu, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaJehovha.”