Jeremiah 12:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova pamsoro poʋokwaŋgu ʋose ʋakaipa ʋanopamba nhaka yandakagarisa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri: Tarirai, ndicaʋadzura panyika yaʋo, ndicadzura ʋeimba yaJuda pakati paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Kana vari vakaipa vakavakidzana nemi vanopamba nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsraeri ndichavadzura munyika dzavo uye ndichadzura imba yaJudha kubva pakati pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi ndizvo zviri kutaurwa naTenzi izvi, kune vamwe vangu vose vakaipa mwoyo vanotambanudzira ruoko nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsiraeri kuti ive yavo achiti, “Chiregai muone ndava kuvadzipura munyika yavo iyoyi, ndichadzura imba yokwaJudha mukati mavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha pamusoro povokwangu vose vakaipa vanopamba nhaka yandakagarisa vanhu vangu vaIsiraeri, “Tarirai, ndichavadzura panyika yavo, ndichadzura veimba yaJudha pakati pavo.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha pamusoro povokwangu vose vakaipa vanopamba nhaka yandakagarisa vanhu vangu vaIsiraeri, "Tarirai, ndichavadzura panyika yavo, ndichadzura veimba yaJudha pakati pavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha pamusoro povokwangu vose vakaipa vanopamba nhaka yandakagarisa vanhu vangu VaIsiraeri, “Tarirai, ndichavadzura panyika yavo, ndichadzura veimba yaJudha pakati pavo.