Jeremiah 12:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ʋacidzidza ɀakanaka tsika dzaʋanhu ʋaŋgu, kupika nezita raŋgu, ʋaciti: NaJehova mupenyu, seɀaʋakadzidzisa ʋanhu ʋaŋgu kupika naBaari, ipapo ʋacaʋakiswa pakati paʋanhu ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kana vadzidza zvakanaka nzira dzavanhu vangu nokupika nezita rangu, vachiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, kunyange havo vakambodzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachasimbiswa pakati pavanhu vangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chichavapo ndechokuti, kana vakazonyatsodzidzawo nzira dzevanhu vangu dzokupika nezita rangu vachiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu,’ sezvavaingoitawo kurunzira vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo ndopavachavaka vari mukati mavanhu vangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana vachidzidza zvakanaka tsika dzvanhu vangu, kupika nezita rangu, vachiti, ‘NaJehovha mupenyu,’ sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakiswa pakati pavanhu vangu.
Shona 2009?
Zvino kana vachidzidza zvakanaka tsika dzavanhu vangu, kupika nezita rangu, vachiti, `NaJehovha mupenyu,' sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakiswa pakati pavanhu vangu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana vachidzidza zvakanaka tsika dzavanhu vangu, kupika nezita rangu, vachiti, ‘NaJehovha mupenyu,’ sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakiswa pakati pavanhu vangu.