Jeremiah 12:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko nhaka yaŋgu yaʋa kwandiri segondo rinamaʋara here? Makondo akaikomba kumatiʋi ose here? Endai mundokokera ɀikara ɀose ɀokusaŋgo, muʋuye naɀo ɀidye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, nhaka yangu haizova kwandiri segondo rina mavara here, iro rinokombwa nokurwiswa namamwe makondo? Endai munounganidza zvikara zvose; muuye nazvo zvidye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ko kwandiri ini, iye nhaka yangu ava here shiri ina matsatsa matsatsa inodya nyama? Akombwa here izvozvi neshiri dzinodya nyama? Endai mundokokorodza mhuka dzose dzesango muuye nadzo dzidye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko nhaka yangu yava kwandiri segondo rinamavara here? Makondo akaikomba kumativi ose here? Endai mundokokera zvikara zvose zvokusango, muuye nazvo zvidye.
Shona 2009?
Ko nhaka yangu yava kwandiri segondo rinamavara here? Makondo akaikomba kumativi ose here? Endai mundokokera zvikara zvose zvokusango, muuye nazvo zvidye.
Shona SUB 2002 Bible
Ko nhaka yangu yava kwandiri segondo rina mavara here? Makondo akaikomba kumativi ose here? Endai mundokokera zvikara zvose zvokusango, muuye nazvo zvidye.