Jeremiah 13:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu aʋa ʋakaipa, ʋanoramba kunzwa mashoko aŋgu, ʋanofamba noʋukukutu bgemŋoyo yaʋo, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari kuti ʋaʋashumire nokuʋanamata, ʋacafanana nebanhire iri, risineɓasa cose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo uye vanoenda kuna vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhanhire iri, risingabatsiri chose!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakaipa ivava ava, vanoramba kunzwa zvandinotaura vanoita zvavo musikanzwa vachiita zvomusoro wavo. Vava kushandira vamwe vamwari vachivanamata vachaita sejira irori iri risisina basa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanofamba nohukukutu hwemwoyo yavo, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhanhire iri, risina basa chose.’
Shona 2009?
Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanofamba nohukukutu bwemoyo yavo, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhanhire iri, risina basa chose.'
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanofamba nohukukutu hwemwoyo yavo, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhandi iri, risina basa chose.’