Jeremiah 13:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti banhire seɀarinonamatira paciʋuno comunhu, saiɀoɀo ndakaŋga ndanamatidza imba yaIsraeri yose neimba yaJuda kwandiri, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — kuti ʋaʋe ʋanhu ʋaŋgu, nembiri yaŋgu, nokurumbidzwa kwaŋgu, nokubginya kwaŋgu; asi ʋakaramba kuterera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti sebhanhire rinosungwa muchiuno saizvozvo ndakasungira imba yose yaIsraeri neimba yose yaJudha kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti vave vanhu vembiri yangu nokurumbidzwa kwangu nokukudzwa kwangu. Asi havana kuteerera.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiripo ndechokuti sokunyatsobata kunoita jira iroro muchiuno chomunhu ndozvandakaita ini ndikaita kuti imba yose yokwaIsiraeri nemba yose yokwaJudha vanyatsoti kwati kwati neni kuitira kuti ndivewo navanhu uye kuti ndive nezita nomukurumbira nembiri. Asi vakaramba kuteerera, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti bhanhire sezvarinonamatira pachiuno chomunhu, saizvozvo ndakanga ndanamatidza imba yaIsiraeri yose neimba yaJudha kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha kuti vave vanhu vangu, nembiri yangu, nokurumbidzwa kwangu, nokubwinya kwangu; asi vakaramba kuterera.
Shona 2009?
"Nokuti bhanhire sezvarinonamatira pachiuno chomunhu, saizvozvo ndakanga ndanamatidza imba yalsiraeri yose neimba yaJudha kwandiri," 'ndizvo zvinotaura Jehovha kuti vave vanhu vangu, nembiri yangu, nokurumbidzwa kwangu, nokubwinya kwangu; asi vakaramba kuteerera.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti bhandi sezvarinonamatira pachiuno chomunhu, saizvozvo ndakanga ndanamatidza imba yaIsiraeri yose neimba yaJudha kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha kuti vave vanhu vangu, nembiri yangu, nokurumbidzwa kwangu, nokubwinya kwangu; asi vakaramba kuteerera.