Jeremiah 13:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo unofanira kutaura shoko iri kwaʋari: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Mudziyo mumŋe nomumŋe ucazadzwa newaini; ɀino iʋo ʋacati kwauri: Hatiziʋi kanhi kuti mudziyo mumŋe nomumŋe ucazadzwa newaini?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uti kwavari, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini.’ Zvino kana vakati kwauri, ‘Ko, isu hatizivi here kuti hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvaunofanira kuvataurira ndezvizvi zvokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Chirongo chose chichazadzwa newaini.’ Ivo vachakuti, ‘Ko isu hatizvizivi here kuti chirongo chose chichazadzwa newaini?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo unofanira kutaura shoko iri kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini;’ zvino ivo vachati kwauri, ‘Hatizivi kanhi kuti mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini?’
Shona 2009?
Naizvozvo unofanira kutaura shoko iri kwavari, "Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, `Mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini;' zvino ivo vachati kwauri, `Hatizivi kanhi kuti mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini?'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo unofanira kutaura shoko iri kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini;’ zvino ivo vachati kwauri, ‘Hatizivi kanhi kuti mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini?’