Jeremiah 13:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ukati mumŋoyo mako: Iɀoɀi ɀandiwira neiko? Ŋguʋo dzako dzakafukurwa, neɀitsitsino ɀako ɀakuʋadzwa nemhaka yoʋukuru bgeɀakaipa ɀenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kana ukazvibvunza pachako, uchiti: “Sei izvi zvaitika kwandiri?”— zvaitika nokuda kwezvivi zvako zvizhinji, kuti nguo dzako dzabvarurwa, uye muviri wako ukasabatwa zvakanaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ukazozviti nechomumwoyo zvauya sei kuti ndiwirwe nezvinhu izvozvi izvi? Chadariso, kukombodza kwouipi hwako saka wafukurwa marokwe wavawo kuitirwa zvoutsinye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana ukati mumwoyo mako, ‘Izvozvi zvandiwira neiko?’ Nguo dzako dzakafukurwa nezvitsitsino zvako zvakuvadzwa nemhaka yohukuru hwezvakaipa zvenyu.
Shona 2009?
Zvino kana ukati mumoyo mako, `Izvozvi zvandiwira neiko?' nguvo dzako dzakafukurwa nezvitsitsino zvako zvakuvadzwa nemhaka yohukuru bwezvakaipa zvenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana ukati mumwoyo mako, ‘Izvozvi zvandiwira neiko?’ Nguo dzako dzakafukurwa nezvitsitsino zvako zvakuvadzwa nemhaka yohukuru hwezvakaipa zvenyu.