Jeremiah 13:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiɀo ɀawakagoʋerwa, ndiwo mugoʋe wawakayererwa neni — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti wakandikaŋganwa, ukaʋimba neɀenhema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyu ndiwo mugove wako, ndicho chikamu chandakakutemera,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti wakandikanganwa ukavimba navamwari venhema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndochakowo ichochi, mugove wandakukamurirawo ndizvo zviri kutaura Tenzi nokuti wakandikanganwa ukavimba nezvinhu zvenhando.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndizvo zvawakagoverwa, ndiwo mugove wawakayererwa neni ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti wakandikanganwa, ukavimba nezvehama.
Shona 2009?
Ndizvo zvawakagoverwa, ndiwo mugove wawakayererwa neni ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti wakandikangamwa, ukavimba nezvehama.
Shona SUB 2002 Bible
Ndizvo zvawakagoverwa, ndiwo mugove wawakayererwa neni ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti wakandikanganwa, ukavimba nezvehama.