Jeremiah 14:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova kuʋanhu aʋa: Saiɀoɀo ʋakafarira kudzuŋgaira, haʋana‐kudzora tsoka dzaʋo; naiɀoɀo Jehova haana‐kuʋafarira; ɀino ucaraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo, nokuʋaroʋa pamsoro peɀiʋi ɀaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu ava, “Vanofarira kungofamba-famba; havadzori tsoka dzavo. Saka Jehovha haavagamuchiri; zvino acharangarira zvakaipa zvavo uye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tenzi ari kutaura shoko rinonangana navanhu ivava rokuti, ‘Kudzunga saizvozvi ndokwavanoda havana kumbozvidzorawo mufambiro. Ndokusaka Tenzi asingavagamuchiri, zvazvino izvi acharangarira uipi hwavo agovarangira zvitadzo zvavo.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha kuvanhu ava, “Saizvozvo vakafarira kudzungaira, havana kudzora tsoka dzavo; naizvozvo Jehovha haana kuvafarira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo.”
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha kuvanhu ava, "Saizvozvo vakafarira kudzungaira, havana kudzora tsoka dzavo; naizvozvo Jehovha haana kuvafarira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo."
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha kuvanhu ava, “Saizvozvo vakafarira kudzungaira, havana kudzora tsoka dzavo; naizvozvo Jehovha haana kuvafarira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo.”