Jeremiah 14:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ʋaciɀinyima ɀokudya, handiŋganzwi kucema kwaʋo; kana ʋaciʋuya neɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀoʋupfu, handiŋgaɀigamuciri; asi ndicaʋapedza nomunondo, nenzara, ʋuye nehosha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange vakatsanya, handinganzwi kuchemwa kwavo; kunyange vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Asi ndichavaparadza nomunondo, nenzara uye nedenda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti kunyange zvavo vakatsanya handiteereri chichemo chavo. Kunyange vakapira zvavo mupiro wokupisa kana mupiro woupfu hwembesanwa handiigamuchiri. Changu chandichaita kuvapedza nehondo yebakatwa neshangwa yenzara nedenda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana vachizvinyima zvokudya, handinganzwi kuchema kwavo; kana vachiuya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; asi ndichavapedza nomunondo, nenzara, uye nehosha.”
Shona 2009?
Kana vachitsanya, handinganzwi kuchema kwavo; kana vachiuya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; asi ndichavapedza nomunondo, nenzara, uye nehosha."
Shona SUB 2002 Bible
Kana vachizvinyima zvokudya, handinganzwi kuchema kwavo; kana vachiuya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; asi ndichavapedza nomunondo, nenzara, uye nechirwere.”