Jeremiah 14:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakati: Haiwa, Jehova Mŋari, tarirai, ʋaprofita ʋanoti kwaʋari: Hamuŋgaʋoni munondo, kana kunzwa nzara; asi ndicakupai rugare rwaɀokwaɗi panɀimbo ino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndakati, “Haiwa Ishe Jehovha, vaprofita vanogara vachivataurira kuti, ‘Hamungaoni munondo kana kufa nenzara. Zvirokwazvo ndichakupai rugare rusingaperi panzvimbo ino.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini ndokuti, “Nhai Tenzi Mwari, inga wani vaporofita vari kuvaudza kuti hondo, yebakatwa hamusi kuzomboiona kana kuti kuzova neshangwa yenzara, asi kutoti ndichaita kuti muve norugare chairwo munzvimbo ino.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndakati, “Haiwa, Jehovha Mwari, tarirai, vaporofita vanoti kwavari, ‘Hamungaoni munondo, kana kunzwa nzara; asi ndichakupai rugare rwazvokwadi panzvimbo ino.’ ”
Shona 2009?
Ipapo ndakati, "Haiwa, Jehovha Mwari, tarirai, vaporofita vanoti kwavari, `Hamungaoni munondo, kana kunzwa nzara; asi ndichakupai rugare rwazvokwadi panzvimbo ino.' "
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndakati, “Haiwa, Jehovha Mwari, tarirai, vaporofita vanoti kwavari, ‘Hamungaoni munondo, kana kunzwa nzara; asi ndichakupai rugare rwazvokwadi panzvimbo ino.’ ”