Jeremiah 14:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naʋanhu ʋaʋanoprofitera ʋacarashwa munzira dzomuJerusarema nemhaka yenzara nomunondo; ʋacashaiwa unoʋaʋiga iʋo, naʋakadzi ʋaʋo, naʋanakomana ʋaʋo, naʋanasikana ʋaʋo; nokuti ndicaɗurura ɀakaipa ɀaʋo pamsoro paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vanhu vavaiprofitira vacharasirwa munzira dzeJerusarema nokuda kwenzara nomunondo. Hakuna munhu achavaviga ivo, kana vakadzi vavo, kana vanakomana vavo, kana vanasikana vavo. Ndichadururira pamusoro pavo njodzi yakafanira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhuwo vavanoporofitira vacho vachanzi rakata mumigwagwa yeJerusaremu vova ndivo vokufa neshangwa yenzara nebakatwa rehondo pasina anovaviga, ivo navanakomana vavo navanasikana vavo nokuti ndichadurira pavanhu ivavo uipi hwavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Navanhu vavanoporofitera vacharashwa munzira dzomuJerusaremu nemhaka yenzara nomunondo; vachashaiwa unovaviga ivo, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo; nokuti ndichadurura zvakaipa zvavo pamusoro pavo.’
Shona 2009?
Navanhu vavanoporofitira vacharashwa munzira dzomuJerusaremu nemhaka yenzara nomunondo; vachashaiwa unovaviga ivo, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo; nokuti ndichadurura zvakaipa zvavo pamusoro pavo.'
Shona SUB 2002 Bible
Navanhu vavanoporofitera vacharashwa munzira dzomuJerusaremu nemhaka yenzara nomunondo; vachashaiwa unovaviga ivo, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo; nokuti ndichadurura zvakaipa zvavo pamusoro pavo.’