Jeremiah 14:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe ciʋaʋudza shoko iri, uti: Meso aŋgu ŋgaayerere misodzi ʋusiku namasikati, asarega; nokuti mhandara mukunda waʋanhu ʋaŋgu wakuʋadzwa nokukuʋadzwa kukuru, neʋaŋga rakaipa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Taura shoko iri kwavari, uti, ‘Meso angu ngaayerere misodzi usiku namasikati asingaregi; nokuti mhandara mwanasikana wangu, vanhu vangu, varwadziwa nevanga rakaipa, iko kurohwa kukuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vataurire izvi zvokuti: “Chiregai zvenyu meso achiramba achiyerera misodzi siku nesikati pasina zvokumbomira ivo vanhu vangu ava, vakuvadzwa ronda guru kwazvo, varohwa zvinosiririsa kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino iwe chivaudza shoko iri, uti, ‘Meso angu angaayerere misodzi husiku namasikati, asarega; nokuti mhandara mukunda wavanhu vangu wakuvadzwa nokukuvadzwa kukuru, nevanga rakaipa kwazvo.
Shona 2009?
Zvino iwe chivaudza shoko iri uti, `Meso angu ngaayerere misodzi vusiku namasikati, asarega; nokuti mhandara mukunda wavanhu vangu wakuvadzwa nokukuvadzwa kukuru, nevanga rakaipa kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino iwe chivaudza shoko iri, uti, ‘Meso angu angaayerere misodzi usiku namasikati, asarega; nokuti mhandara mukunda wavanhu vangu wakuvadzwa nokukuvadzwa kukuru, nevanga rakaipa kwazvo.