Jeremiah 14:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Maramba Juda cose here? Mŋeya wenyu wasema Zioni here? Matiroʋereiko, tikashaiwa kuporeswa? Takatarira rugare, asi hakunecakanaka cakaʋuya, neŋguʋa yokuporeswa, asi tarirai, kuvunduswa ɓedzi!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, maramba Judha zvachose here? Munozvidza Zioni here? Sei makatirwadzisa zvokuti tirege kuporeswa? Takatarisira rugare asi hakuna chakanaka chakauya, takatarisira nguva yokuporeswa asi panongova nokuvhunduswa bedzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaJudha matovaramba zvachose here? Mwoyo wenyu wava kusema here vanhu veguta reZioni? Madirei kutipa shamhu yakadai isingarapike? Taitarisira kuwana rugare asi hapana chakanaka chakauya, tichitarisira nguva yokuporeswa asi zvinotyisa ndozvotoona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Maramba Judha chose here? Mweya wenyu wasema Zioni here? Matirovereiko, tikashaiwa kuporeswa? Takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakauya, nenguva yokuporeswa, asi tarirai, kuvhunduswa bedzi!
Shona 2009?
Maramba Judha chose here? Mweya wenyu wasema Ziyoni here? Matirovereiko, tikashaiwa kuporeswa? Takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakauya, nenguva yokuporeswa, asi tarirai, kuvhunduswa bedzi!
Shona SUB 2002 Bible
Maramba Judha chose here? Mweya wenyu wasema Zioni here? Matirovereiko, tikashaiwa kuporeswa? Takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakauya, nenguva yokuporeswa, asi tarirai, kuvhunduswa bedzi!