Jeremiah 14:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaripo here pakati paʋamŋari ʋasinamaturo ʋaʋahedeni ʋaŋganisa mvura? Ƌeŋga riŋganisa mvura here? Hamuzimi here, imi Jehova Mŋari weɗu? Naiɀoɀo ticakumirirai, nokuti ndimi makaita ɀinhu iɀi ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, pazvifananidzo zvisina maturo zvendudzi, chiripo chinganayisa mvura here? Ko, matenga, anonayisa mvura oga here? Kwete, ndimi, Iyemi Jehovha Mwari wedu. Naizvozvo tariro yedu iri mamuri, nokuti ndimi moga munoita izvi zvose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuna vanaani chaizvo pakati pavana mwari vasina maturo vokumarudzi avanhu angagone kunayisa mvura? Kana iwo matenga zvawo angagone nhai kunayisa mvura? Handiti ndimi iyemi Tenzi, Mwari wedu? Chitarisiro chedu tinochiisa mamuri nokuti ndimi munoita zvose izvozvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varipo here pakati pavamwari vasina maturo vavahedheni vanganisa mvura? Denga ringanisa mvura here? Hamuzimi here, imi Jehovha Mwari wedu? Naizvozvo tichakumirirai, nokuti ndimi makaita zvinhu izvi zvose.”
Shona 2009?
Varipo here pakati pavamwari vasina maturo vavahedheni vanganisa mvura? Denga ringanisa mvura here? Hamuzimi here, imwi Jehovha Mwari wedu? Naizvozvo tichakumirirai, nokuti ndimi makaita zvinhu izvi zvose."
Shona SUB 2002 Bible
Varipo here pakati pavamwari vasina maturo vavahedheni vanganisa mvura? Denga ringanisa mvura here? Hamuzimi here, imi Jehovha Mwari wedu? Naizvozvo tichakumirirai, nokuti ndimi makaita zvinhu izvi zvose.”