Jeremiah 14:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakuru ʋaʋo ʋanotuma ʋaranda ʋaʋo kumvura; ʋanoȿika kumadziʋa, ndokushaiwa mvura, ʋanodzoka neɀiroŋgo ɀisina; ʋakanyadziswa nokukaŋganiswa, ʋanofukidza misoro yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanokudzwa vanotuma varanda vavo kundochera mvura; vanoenda kumatsime, asi vanoshayiwa mvura. Vanodzoka nezvirongo zvavo zvisina mvura; vaora mwoyo uye vasisina tariro, vanofukidza misoro yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Vanhu vokumba huru vanotuma varanda vavo kumvura. Varanda vanosvika kumatsime, asi havasi kuwana mvura. Vanodzokera nezvirongo zvavo mvura vasina vaora mwoyo vasisazive chokuita vakabata rushaya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakuru vavo vanotuma varanda vavo kumvura; vanosvika kumadziva, ndokushaiwa mvura, vanodzoka nezvirongo zvisina; vakanyadziswa nokukanganiswa, vanofukidza misoro yavo.
Shona 2009?
Vakuru vavo vanotuma varanda vavo kumvura; vanosvika kumadziva, ndokushaiwa mvura, vanodzoka nezvirongo zvisina; vakanyadziswa nokukanganiswa, vanofukidza misoro yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakuru vavo vanotuma varanda vavo kumvura; vanosvika kumadziva, ndokushaiwa mvura, vanodzoka nezvirongo zvisina; vakanyadziswa nokukanganiswa, vanofukidza misoro yavo.