Jeremiah 14:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarimi ʋanonyadziswa, ʋanofukidza misoro yaʋo, nokuɗa kwenyika yakaparuka, nokuti mvura haina‐kunaya panyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nyika yaparuka nokuti munyika hamuchina mvura; varimi vaora mwoyo uye vanofukidza misoro yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pamusana pokuti pasi pachiti papata nokushayika kwaita mvura yokunaya panyika, varimi vacho vadumbirwa nazvo vobata rushaya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varimi vanonyadziswa, vanofukidza misoro yavo, nokuda kwenyika yakaparuka, nokuti mvura haina kunaya panyika.
Shona 2009?
Varimi vanonyadziswa, vanofukidza misoro yavo, nokuda kwenyika yakaparuka, nokuti mvura haina kunaya payika,
Shona SUB 2002 Bible
Varimi vanonyadziswa, vanofukidza misoro yavo, nokuda kwenyika yakaparuka, nokuti mvura haina kunaya panyika.