Jeremiah 14:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mbizi dzinomira paɀikomo ɀisinemiti, dzicifema mhepo samakaʋa; meso adzo aneta, nokuti hakunoʋuswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, uye dzinofemedzeka semakava; meso adzo haachaona zvakanaka nokuda kwokushaya mafuro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Madhongi omusango amira pamitunhu yakatunhumara pasina miti achifemereka samakava kuri kutsvaka mhepo yokufema, maziso awo achionera madzerere nokuti hakusisina bundo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, dzichifema mhepo samakava; meso adzo aneta, nokuti hakuna huswa.
Shona 2009?
Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, dzichifema mhepo samakava; meso adzo aneta, nokuti hakuna huswa.
Shona SUB 2002 Bible
Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, dzichifema mhepo samakava; meso adzo aneta, nokuti hakuna huswa.