Jeremiah 14:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi citariro caIsraeri, Muponesi waʋo neŋguʋa yokutambudzika, munoitireiko somutorwa panyika, ʋuye somufambi unotsauka kuzoʋata ʋusiku cete?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imi Tariro yaIsraeri, Muponesi wavo nenguva yokutambudzika, maitireiko somutorwa munyika, somufambi anongovata usiku humwe chete?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhaimi chitarisiro cheIsiraeri, imi Mununuri wayo panguva yokutambura, madireiko kubva maita somutorwa chaiye munyika muno, kubva matoita here somupfuuri nenzira anoti tsaukirei pakadaro apo omborarapo hake usiku ihwohwo?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi chitariro chaIsiraeri, Muponesi wavo nenguva yokutambudzika, munoitireiko somutorwa panyika, uye somufambi unotsauka kuzovata husiku chete?
Shona 2009?
imwi chitariro chaIsiraeri, Muponesi wavo nenguva yokutambudzika, munoitireiko somutorwa panyika, uye somufambi unotsauka kuzovata vusiku chete?
Shona SUB 2002 Bible
Imi chitariro chaIsiraeri, Muponesi wavo nenguva yokutambudzika, munoitireiko somutorwa panyika, uye somufambi unotsauka kuzovata usiku chete?