Jeremiah 15:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati kwandiri: Kunyaŋge Mosesi naSamueri ʋamire pamberi paŋgu, mŋoyo waŋgu hauŋgaʋi nehanya naʋanhu aʋa; uʋadziŋge pamberi paŋgu, ʋaende.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange dai Mozisi naSamueri vaimira pamberi pangu, mwoyo wangu hawaiva nehanya navanhu ava. Vadzingei pamberi pangu! Regai vaende!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akazoti kwandiri, “Kunyange dai Mosesi naSamueri vakamirira vanhu ava kwandiri handaimbodzora mwoyo wangu kwavari. Chivabvisa pameso pangu vaende!
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange Mosesi naSamueri vamire pamberi pangu, mwoyo wangu haungavi nehanya navanhu ava; uvadzinge pamberi pangu, vaende.
Shona 2009?
Ipapo Jehovha akati kwandiri, "Kunyange Mozisi naSamueri vamire pamberi pangu, moyo wangu haungavi nehanya navanhu ava; uvadzinge pamberi pangu, vaende.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyangwe Mosesi naSamueri vamire pamberi pangu, mwoyo wangu haungavi nehanya navanhu ava; uvadzinge pamberi pangu, vaende.