Jeremiah 15:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinenhamo mai ʋaŋgu, ɀamakandiɓereka ndiʋe munhu wenharo nomunhu wegakaʋa panyika yose! Handina‐kupa cikwerete, naʋanhu haʋana‐kutora cikwerete kwandiri; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanondituka ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Yowe-e, mai vangu, zvamakandibereka kuti ndive murume anorwiswa nokumisidzanwa naye nenyika yose! Handina kumbopa munhu chikwereti, kana kutora chikwereti, asi zvakadaro vanhu vose vanondituka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhai amai we-e zvangu! Chamakandiberekera, ini zvangu munhu wenharo, ini matatapure munyika ino yose. Handina kukweretesa kana kukwereta munhu asi vose vanondirengerera rushambwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndine nhamo mai vangu, zvakandibereka ndive munhu wenharo nomunhu wegakava panyika yose! Handina kupa chikwerete, navanhu havana kutora chikwerete kwandiri; kunyange zvakadaro vanondituka vose.
Shona 2009?
Ndine nhamo mai vangu, zvavakandibereka ndive munhu wenharo nomunhu wegakava panyika yose! Handina kupa chikwereti, navanhu havana kutora chikwereti kwandiri; kunyange zvakadaro vanondituka vose.
Shona SUB 2002 Bible
Ndine nhamo mai vangu, zvakandibereka ndive munhu wenharo nomunhu wegakava panyika yose! Handina kupa chikwereti, navanhu havana kutora chikwereti kwandiri; kunyangwe zvakadaro vanondituka vose.