Jeremiah 15:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akaʋa mufaro waŋgu nokufadzwa kwomŋoyo waŋgu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imi Jehova, Mŋari wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mashoko enyu paakasvika ndakaadya; akanga ari mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu, nokuti ndakatumidzwa zita renyu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Shoko renyu pandariwana ndarizeya mazwi enyu iwayo aindipa mufaro ariwo angu akanga ari mazwi apamwoyo andinofarira nokuti ndinodaidzwa nezita renyu imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akava mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imi Jehovha, Mwari wehondo.
Shona 2009?
Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akava mufaro wangu nokufadzwa komoyo wangu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imwi Jehovha, Mwari wehondo.
Shona SUB 2002 Bible
Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akava mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imi Jehovha, Mwari wehondo.