Jeremiah 15:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cirikadzi dzaʋo dzandiwandira kupfuʋura jeca reguŋgwa; ndakaʋuyisira mai namajaya muparadzi paŋguʋa yamasikati; ndakawisira mai kamŋe‐kamŋe kurwadziwa neɀinotyisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichawanza chirikadzi dzavo kupfuura jecha regungwa. Panguva yamasikati ndichauyisa muparadzi, pamusoro pavanamai vamajaya avo; pakarepo, ndichaburutsa pamusoro pavo kurwadziwa uye kutya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndakaita kuti chirikadzi dzavo dziwande kudarika jecha rokumakungwa. Ndakaunzira vana amai vemajaya mharadzi zuva rakacheka nyika. Ndakaita kuti kurwadziwa nokutya zvingoyerekana zvavapinda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chirikadzi dzavo dzandiwandira kupfuura jecha regungwa; ndakauyisira mai namajaya muparadzi panguva yamasikati; ndakawisira mai kamwe-kamwe kurwadziwa nezvinotyisa.
Shona 2009?
Chirikadzi dzavo dzandiwandira kupfuura jecha regungwa; ndakauyisira mai namajaya muparadzi panguva yamasikati; ndakawisira mai kamwe-kamwe kurwadziwa nezvinotyisa.
Shona SUB 2002 Bible
Chirikadzi dzavo dzandiwandira kupfuura jecha regungwa; ndakauyisira mai namajaya muparadzi panguva yamasikati; ndakawisira mai kamwe–kamwe kurwadziwa nezvinotyisa.