Jeremiah 16:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana uciziʋisa ʋanhu aʋa mashoko awa ose, iʋo ʋacati kwauri: Jehova wakareʋereiko ɀakaipa iɀi ɀikuru ɀose pamsoro peɗu? Kutadza kweɗu ndokwei? Ɀiʋi ɀeɗu ndeɀei, ɀatakaitira Jehova Mŋari weɗu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Paunovaudza vanhu ava izvi zvose ivo vakakubvunza vachiti ‘Jehovha aisireiko kwatiri chirevo chenjodzi yakakura kudai? Chakaipa chatakaita ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko chatakatadzira Jehovha Mwari wedu?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pauchataurira vanhu ivava zvinhu zvose izvozvi, ivo vachakuti, ‘Ko Tenzi atemereiko kuti tiwirwe nepfumvu huru yakadai? Takapareiko? Chitadzo chatakapara kuna Tenzi Mwari wedu ndechei?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana uchizivisa vanhu ava mashoko awa ose, vachati kwauri, ‘Jehovha wakarevereiko zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pedu? Kutadza kwedu ndokwei? Zvivi zvedu ndezvei, zvatakaitira Jehovha Mwari wedu?’
Shona 2009?
"Zvino kana uchizivisa vanhu ava mashoko awa ose, vachati kwauri, `Jehovha wakarevereiko zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pedu? Kutadza kwedu ndokwei? Zvivi zedu ndezvei, zvatakaitira Jehovha Mwari wedu?
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana uchizivisa vanhu ava mashoko awa ose, vachati kwauri, ‘Jehovha wakarevereiko zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pedu? Kutadza kwedu ndokwei? Zvivi zvedu ndezvei, zvatakaitira Jehovha Mwari wedu?’