Jeremiah 16:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo iwe uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova: Nokuti madziɓaɓa enyu akandisiya, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari, nokuʋashumira nokuʋanamata, ʋakandisiya ini, ʋakasaceŋgeta murairo waŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo uti kwavari, nemhaka yokuti madzibaba enyu akandisiya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘vakatevera vamwe vamwari ndokuvashumira nokuvanamata. Vakandisiya ini uye havana kuchengeta mirayiro yangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwe unofanira kuvataurira kuti, ‘Chikonzero ndechichi chokuti madzibaba enyu akandifuratira, ndizvo zviri kutaura Tenzi uye vakatevera vamwe vamwari vakavashandira nokuvanamata. Uye vakandifuratira vakarega kuchengeta mutemo wangu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo iwe uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha, nokuti madzibaba enyu akandisiya, vakatevera vamwe vamwari, nokuvashumira nokuvanamata, vakandisiya ini, vakasachengeta murayiro wangu;
Shona 2009?
Ipapo iwe uti kwavari, `Zvanzi naJehovha, nokuti madzibaba enyu akandisiya, vakatevera vamwe vamwari, nokuvashumira nokuvanamata, vakandisiya ini, vakasachengeta murayiro wangu;
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo iwe uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha, nokuti madzibaba enyu akandisiya, vakatevera vamwe vamwari, nokuvashumira nokuvanamata, vakandisiya ini, vakasachengeta murairo wangu;