Jeremiah 16:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino imi makaita ɀakaipa kupfuʋura madziɓaɓa enyu; nokuti tarirai, munofamba mumŋe nomumŋe noʋukukutu bgomŋoyo wake wakaipa, muciramba kunditerera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi imi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu. Tarirai kuti mumwe nomumwe wenyu anotevera sei kusindimara kwomwoyo wake wakaipa pano kuti anditeerere ini.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uye nokuti imi makaita zvakaipa zvinodarika zvakaitwa namadzibaba enyu nokuti mumwe nomumwe wenyu ava kungotevedza zvake musikanzwa womusoro wake muchiramba kunditeerera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino imi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu; nokuti tarirai, munofamba mumwe nomumwe nohukukutu hwomwoyo wake wakaipa, muchiramba kunditerera.
Shona 2009?
zvino imwi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu; nokuti tarirai, munofamba mumwe nomumwe nohukukutu hwomoyo wake wakaipa, muchiramba kunditeerera.
Shona SUB 2002 Bible
zvino imi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu; nokuti tarirai, munofamba mumwe nomumwe nohukukutu hwomwoyo wake wakaipa, muchiramba kunditerera.