Jeremiah 16:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ndicakudziŋgai panyika ino ndicikuisai kunyika yamakaŋga musiŋgaziʋi, kunyaŋge imi kunyaŋge madziɓaɓa enyu; ipapo mucashumira ʋamŋe ʋamŋari masikati noʋusiku, nokuti handiŋgakunzwiriyi ŋgoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamusina kumboziva imi kana madzibaba enyu mugondoshumira vamwe vamwari ikoko masikati nousiku, nokuti handingakunzwirei nyasha.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo iniwo ndichakukandai kunze kwenyika ino ndichikurasirai kunyika yamusingamboziva imimi kana madzibaba enyu. Ikoko muchashandira vamwe vamwari siku nesikati nokuti handisi kuzokunzwirai tsitsi.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamakanga musingazivi, kunyange imi kunyange madzibaba enyu; ipapo muchashumira vamwe vamwari masikati nohusiku, nokuti handingakunzwiriyi ngoni.’ ”
Shona 2009?
Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamakanga musingazivi, kunyange imwi kunyange madzibaba enyu; ipapo muchashumira vamwe vamwari masikati novusiku, nokuti handingakunzwiriyi ngoni.' "
Shona SUB 2002 Bible
Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamakanga musingazivi, kunyangwe imi kunyangwe madzibaba enyu; ipapo muchashumira vamwe vamwari masikati nousiku, nokuti handingakunzwiriyi ngoni.’ ”