Jeremiah 16:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi Jehova, simba raŋgu, nenhare yaŋgu, noʋutiziro bgaŋgu pazuʋa rokutambudzika, marudzi acaʋuya kwamuri acibva kumigumo yenyika, aciti: Madziɓaɓa eɗu akagara nhaka yenhema dzoga, ɀinhu ɀisinamaturo, neɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imi Jehovha, simba rangu nenhare yangu, utiziro hwangu munguva yokutambudzika, ndudzi dzichauya kwamuri dzichibva kumagumo enyika, dzichiti, “Madzibaba edu akanga asina chaanacho asi vamwari venhema bedzi, izvo zvifananidzo zvisingabatsiri zvisina chakanaka chazvakavaitira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imi Tenzi imi simba rangu nenhare yangu yokuhwanda hondo diziro rangu pazuva renhamo, kwamuri ndokuchauya marudzi avanhu achibva kwakaperera nyika achiti, “Madzibaba edu akawana nhaka yezvinhu pasina, zvinhu zvamanyepo zvinhu zvisina maturo, zvisina chimuko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi Jehovha, simba rangu, nenhare yangu, nohutiziro hwangu pazuva rokutambudzika, marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika, achiti, “Madzibaba edu akagara nhaka yenhema dzoga, zvinhu zvisina maturo, nezvinhu zvisingabatsiri.”
Shona 2009?
imwi Jehovha, simba rangu, nenhare yangu, nohutiziro hwangu pazuva rokutambudzika, marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika, achiti, "Madzibaba edu akagara nhaka yenhema dzoga, zvinhu zvisina maturo, nezvinhu zvisingabatsiri."
Shona SUB 2002 Bible
Imi Jehovha, simba rangu, nenhare yangu, nohutiziro hwangu pazuva rokutambudzika, marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika, achiti, “Madzibaba edu akagara nhaka yenhema dzoga, zvinhu zvisina maturo, nezvinhu zvisingabatsiri.”