Jeremiah 16:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀanzi naJehova: Usapinda muimba yokucema, usaʋawuŋgudzira kana kuʋacema; nokuti ɀanzi naJehova: Ndabvisa rugare rwaŋgu paʋanhu aʋa, ibgo ʋunyoro bgaŋgu nenyasha dzaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti zvanzi naJehovha, “Usapinda muimba mune zvokudya zvamariro: usaenda kundochema kana kuvanzwira tsitsi, nokuti ndabvisa maropafadzo norudo rwangu uye ngoni dzangu pavanhu ava,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi, usapinde kana kuenda kuimba iine rufu kundoungudza kana kuvachema nokuti rugare rwangu ndarubvisa mukati mavanhu ava uye ndabvisa mavari mwoyochena wangu nomutsa wangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Usapinda muimba yokuchema, usavawungudzira kana kuvachema;’ nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava, ihwo hunyoro hwangu nenyasha dzangu.’
Shona 2009?
"Nokuti zvanzi naJehovha, `Usapinda muimba yokuchema, usavawungudzira kana kuvachema;' nokuti zvanzi naJehovha, `Ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava, ihwo hunyoro hwangu nenyasha dzangu.'
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Usapinda mumba yokuchema, usavawungudzira kana kuvachema;’ nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava, ihwo hunyoro hwangu nenyasha dzangu.’