Jeremiah 16:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋanhu haʋaŋgaʋameɗuriri ciŋgwa pakucema kwaʋo, ʋaciti ʋaʋanyaradze pamsoro paʋakafa, ʋuye ʋanhu haʋaŋgaʋapi mukombe wokunyaradza ʋanwe pamsoro paɓaɓa ʋaʋo kana mai ʋaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hakuna munhu achavapa chokudya kuti vanyarare pakuchema kwavo vakafa, hakuna kunyange baba chaivo kana mai, hakuna kana achavapa mvura yokunwa chaiyo kuti vanyarare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakuna achazodya nomumwe achimunyaradza kana afirwa, kana kuwanawo chaanonwa nomumwe anenge afirwa nababa kana naamai vake achimunyaradza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vanhu havangavameduriri chingwa pakuchema kwavo, vachiti vavanyaradze pamusoro pavakafa, uye vanhu havangavapi mukombe wokunyaradza vanwe pamusoro pababa vavo kana mai vavo.
Shona 2009?
vanhu havangavameduriri chingwa pakuchema kwavo, vachiti vavanyaradze pamusoro pavakafa, uye vanhu havangavapi mukombe wokunyaradza vamwe pamusoro pababa vavo kana mai vavo.
Shona SUB 2002 Bible
vanhu havangavameduriri chingwa pakuchema kwavo, vachiti vavanyaradze pamusoro pavakafa, uye vanhu havangavapi mukombe wokunyaradza vanwe pamusoro pababa vavo kana mai vavo.