Jeremiah 17:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini Jehova, ndinonɀera mŋoyo, ndinoidza itȿo, kuti ndipe mumŋe nomumŋe ɀakafanira mugarire wake, ʋuye ɀakafanira ɀiɓereko ɀamaɓasa ake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo uye ndinoedza ndangariro, kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake, uye zvakafanira mabasa ake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini Tenzi ndinoongorora mwoyo ndichipenengura pfungwa dzomunhu kuti ndipe munhu wose maererano nomugariro wake, uye maererano nezviito zvake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini Jehovha, ndinonzvera mwoyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugarire wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.”
Shona 2009?
Ini Jehovha, ndinonzvera moyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugariro wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake."
Shona SUB 2002 Bible
Ini Jehovha, ndinonzvera mwoyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugarire wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.”