Jeremiah 17:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Segwari rinogarira mazai arisina‐kukandira rimene, ndiɀo ɀakaita iye unoɀiwanira fuma nokusarurama; icamusiya pakati pamazuʋa ake, pakupedzisira kwake ricaʋa ɓenzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sechikwari chinochochonya mazai achisina kukandira, ndizvo zvakaita munhu anowana pfuma nokusarurama. Pakati pamazuva ake, zvichamusiya, uye pakupedzisira achazviona kuti ibenzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvinoita hware kuunganidza nhiyo dzaisina kuchechenya, ndozvinoita munhu anowana upfumi zvisina mvumo. Huchamukurumuka pamazuva oupenyu hwake achagumisira ava benzi romunhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Segwari rinogarira mazai arisina kukandira rimene, ndizvo zvakaita iye unozviwanira pfuma nokusarurama; ichamusiya pakati pamazuva ake, pakupedzisira kwake richava benzi.
Shona 2009?
segwari rinogarira mazai arisina kukandira rimene, ndizvo zvakaita iye unozviwanira fuma nokusarurama; ichamusiya pakati pamazuva ake, pakupedzisira kwake richava benzi.
Shona SUB 2002 Bible
Segwari rinogarira mazai arisina kukandira rimene, ndizvo zvakaita iye unozviwanira pfuma nokusarurama; ichamusiya pakati pamazuva ake, pakupedzisira kwake richava benzi.