Jeremiah 17:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova wakati kwandiri: Enda undomira musuʋo raʋana ʋaʋanhu, panopinda madzimambo aJuda, napaʋanoɓuɗa, napamasuʋo ose eJerusarema;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha kwandiri: “Enda undomira pasuo ravanhu, panopinda nokubuda namadzimambo eJudha; ugondomirazve pane mamwe masuo ose eJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akanditi, “Enda undomira paSuo Guru raVanhu panopindwa nokubudiwa napo namadzimambo okwaJudha uye nepamisuo yose mikuru yeJerusaremu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha wakati kwandiri, “Enda undomira musuo ravana vavanhu, panopinda madzimambo aJudha, napavanobuda, napamasuo ose eJerusaremu;
Shona 2009?
Jehovha wakati kwandiri, "Enda undomira musuo ravana vavanhu, panopinda madzimambo aJudha, napavanobuda, napamasuo ose eJerusaremu,
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akati kwandiri, “Enda undomira pasuwo ravana vavanhu, panopinda madzimambo aJudha, napavanobuda, napamasuwo ose eJerusaremu;